Akanyudzwa demo ‘nechikomba’ chemudzimai

burglar

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuSilobela, kudunhu reMidlands, vari kuferefeta nyaya yemurume ane makore 42 okuberekwa uyo ari kunzi akatemwa nedemo mumusoro nemumwewo murume vari panzvimbo yemabhizimisi yeMusilahobe iri kwaMambo Malisa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika husiku hwemusi wa16 Chivabvu.
Zvinonzi Mthokozisi Moyo naMabude Ncube, vose vanobva mubhuku raNduku, vaiva panzvimbo yemabhizimisi yeMusilahobe vachitandara pakazoitika njodzi iyi.

“Varume ava vanonzi vakazovingwa naTawanda Denhere (42) achipomera Mthokozisi Moyo mhosva yekuti aidanana nemudzimai wake nekudaro pakabva paita kusawirirana nekukandirana makobvu nematete. Mabude Ncube akazopindira munyaya iyi apo anonzi akabva atema Tawanda Denhere nedemo pamhanza ndokukuvara zvikuru uyuwo Mthokozisi Moyo achibvawo amurova nechidhinha muviri wose akaita maronda, vaviri ava vachibva vatiza kuenda kusina anoziva,” vanodaro Insp Mahoko.

Cheating Wife Assaults Hubby For Asking Her Where She Slept

Denhere anonzi akaendeswa kuchipatara uko ari kurapwa maronda ekutemwa nedemo uyewo neekutemwa nechidhinha asi upenyu hwake hausiri panjodzi.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuSilobela ndokutanga kuferefetwa apo varume vaviri ava vari kutsvagwa nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuedza kuponda.

“Semapurisa, tiri kutsvaga varume vaviri ava nekuda kwemhosva iyi. Kune vanenge vaona vaviri ava tinokumbira kuti vamhan’are kumapurisa ari pedyo navo kuti vasungwe vagoendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzirawo ruzhinji kuti kana paita nyaya dzinonetsa, ngavarege kushandisa mhirizhonga kana kurwisana sezvo zvichiita kuti vazokuvadzana kana kuurayana.

“Vanhu ngavatsvage vayananisi kana paita gakava vogadziriswa pasina kupondana kana kukuvadzana,” vanodaro Insp Mahoko.-Kwayedza

Related posts

Leave a Comment